18/08/2026
PRECIOUS - CHITSAUKO 3
https://chat.whatsapp.com/KLN7FBL0ElIBj3arzX9t4y?s=cl&p=a&ilr=4
By Clarence Mandisodza
0775874868
Nenguva dzesere chikwata chakange chasvika mubhawa rekwaMhishi kuMufakose. Vakange vaenda vari vatatu; Moreblessing uyo aidanwa nevamwe vake kuti Mobhi, Colin uyo aidanwa nevamwe vake kuti Kodza pamwe naDarlington uyo aidanwa kuti Dhadza. Mumwe nemumwe akanogara kwake, Mobhi achinge akapfeka zvekukwezva varume.
Hapana kupedza nguva asati asvikirwa nemumwewo murume ainge akapera nedoro achinetsekana nekufamba zvese nekumira. Ainge akabata kadoro kemubhotoro replastic kainge kakanyorwa kuti Vinyo. Achingogara padivi paMobhi, akabva aisa ruoko rwake muhuro maMobhi uyo akabva arwuvhizura achirwukanda kwakadaro uko. Hapana kupera nguva, Kodza akabva asvika akabata bhotoro reZambezi ndokusvikosimudza murume uya.
“Iwe ibva pano. Uri kuona iri type yako here iyi?” Akabvunza osairira murume uya kwakadaro uko ndokubva asvikonyondera pasi nemuromo.
Pakarepo Dhadza uyo ainge ambobuda akabva angodzoka achifambisa ndokusvikotaura nezwi rakaderera kwazvo kunyangwe zvazvo maive neruzha rwemhanzi. Vari vaviri, Dhadza naKodza vakabva vanogara kure naMobhi. Mushure memaminitsi angangoita matatu, makapinda hwitakwi yerume yainge yakabata makii emotokari muruoko rwerudyi. Yakabva yangonanga kukaunda kunotenga doro.
Akabvapo achinge abata doro rerudzi rweHeineken ndokutsvaga pekugara. Ndidzo nguva dzakabva dzasimuka Mobhi ndokunanga kwaari. Akasvikogara mberi kwemurume uyu ndokuita zvekunge atarisana naye. Achangoti garei, pakasvikawo mumwe mudzimai airatidza kuti akange agara kwazvo mubasa rechipfambi iri.
“This is my territory, get lost.” Akadaro mudzimai uya achidhonza wigi yaMobhi uyo akabva abata mudzimai uya ruoko pakarepo nekubva ada kurwuruma.
Pasina murume uya akange avingwa nevaviri ava akazochimbidza kubata, pangadai pakarwiwa. Yakazongosara yave hondo yemazwi mudzimai uya ndokubuda achiti ainoshevedza mamonya ake. Kodza naDarlington nekuziva kuti nzvimbo yavaive yaisave yekutamba nayo, vakachimbidza kutevera mudzimai uya ndokubva mumwe wavo atanga kutaura naye. Ko, akange achada kuendepi iye akange aona mhene yake?
Akaendwa naye naKodza panzvimbo yakavanzika asi Kodza achikwanisa kuona zvaiitika kumusuwo webhawa ndokutanga kutaurirana variko. Darlington ainge adzokera kunomira pamusuwo webhawa achiongorora zvaiitika kuna Mobhi uyo akange otaura nemurume uya vachiratidza kuwirirana chose.
Murume uya akasimuka oenda kuchimbuzi achisiya apa Mobhi mari yekunotenga rimwe doro. Zvakange zvarerukira gurokuro kuripa nederere, Mobhi akabva patafura iyi nemakii emotokari yemurume uyu ayo aainge asiya padivi nebhotoro redoro rake iro raakange apedza. Kuenda kwaakaita kuchimbuzi, Dhadza akabva angoteverawo. Akaendako achiburitsa kamwe kabhotoro kaiita seperfume iya yekupfapfaidza pamwe nekachira kaakatora muhomwe yekumashure.
Akapinda muchimbuzi ndokuona musina vamwe vanhu nokudaro akabva angopfapfaidza mushonga wake pakachira kaya ndokusvikovhara murume uya nekachira kaye pamhuno. Murume wacho akamboda kukakaritsa asi kufemera mukati kwaakaita akabva anzwa kupera simba ndiye rukutu. Dhadza haana kutambisa nguva, akabva angosecha homwe dzemurume uya pamwe nekutora serefoni dzake mbiri.
Achibuda, akabva ananga kumotokari yemurume uya uko akasvikowana Mobhi naKodza vatomumirira kare. Hapana akataura nemumwe, Dhadza akangovasimudzira makii emotokari yemurume uya Kodza ndokubva atonanga kumotokari yavainge vauya nayo achisiya vaviri ava vachipindawo muIsuzu KB yemurume uya. Vakabva vangoti hutu kuenda kumunda waichengeterwa mombe dzekanzuru kuBudiriro, pedyo nedzimba dzeCabs. Vakashandisa kamushini kavo kuona kuti mota iyi yakange isina tracker here.
Mushure mekugutsikana, vakatyaira vakananga kuWaterfalls mushure mekunge vazivisa Precious kuti vakange vouya. Vakange vaine chokwadi chekuti hapana aivatevera. Mobhi naDhadza vakafamba vachikurukura zvavo dzimwe nyaya dzisinei nekuba kwavakange vaita motokari. Vakange vachiziva kuti vachazongonoitaura mberi vamwe vavo vachinzwa kunyanya voudza Precious mafambiro avainge vaita.
Munzira imomo Dhadza akange asimudzira nyaya yake yaaisigaronetsera Mobhi. “Saka Moreblessing wakatozondiramba shuwa?” Akange atanga nekudaro mushure mekunge vatyaira chinhambwe kubva pavainge vatarisa tracker.
“Darlington unoda kundiuraisa nemukadzi wako?”
“Handina mukadzi Mobhi…”
“Zvandataura wazvinzwa Dhadza. Iwewe ita zvaPrecious wako. Unoona zvichiita here kudanana nemunhu wamadam boss?”
“Paye ndipo pasina kana rudo, kungoitisana. Zviri zverudo chaizvo, moyo wangu uri panewe shamwari. Musi weSunday uya ndakanzwa jealousy kukuona uina Skimbo. He doesn’t deserve you shamwari. Hauna kuona kuti paya ndakazoguma ndangonyarara?”
“Skimbo ndiye mufesi wangu, saka waonaka kuti zvaurikutaura hazviiti? Iwewe ita zveDeacones.” Akabva aseka zvake zviya zvekushora hudeacones hwacho.
“Saka wati todii shamwari nekuti ini ndiri kutokuda…”
“Hezvo! Ndezvenharo here? Ini handikudi Darlington, ita zvaBoss P ini wondisiyawo naSkimbo wangu.”
“Saka uri kundirambira Precious here?”
“Iwe uri kuona zvichiita here? Indava uchida kutikuvadzisa?”
“Saka uri kundirambira Precious here?” Darlington akadzokorodza zvakare mubvunzo wake.
“"Whatever zvawafunga Dhadza." Mobhi akataura achitarisa kudivi uku achipetera maoko ake pachipfuva chake kunge munhu ari kupindwa nechando.
"Manje ukasaita wangu hakuna mumwe munhu anodanana newe..."
"Iwe unotorwara chete. Ndezveforce here? And let me warn you, pakangowana chaitika kuna Skimbo chete hokoyo."
"Ugondiitei manje?"
Mobhi akabva angosona muromo wake Dhadza ndokusara achingoropodza zvisina maturo. Motokari yacho akange otyaira zvehasha. Yakatombodzima kaviri kose pamarobhotsi. Kusvika pavakaita pagedhi rakabva rangozarukawo zvekuti havana kana kumbomira kana kudzora mamhanyiro avo. Yakadarikira ndokunopinda mugaraji muya makange mambotorwa motokari naDhadza zuva riya raakange anotenga doro nenyama zvemhemberero dzehudeacones hwaPrecious. Pakarepo yakabva yatanga kushandwa ichibviswa pendi.
Vaizoti kana vapedza zvependi izvi, vaibva vachinja zvimwe zvinhu zvingangodaro zvichizoratidza kuti imotokari yanhingi. Mamwe mapatsi acho vaitonorasa. Vaizogumisira nekuipenda zvakare nerumwe rwuvara.
KuMabelreign kwaivewo nezvako zvaikunda ngoma yeZion kurira. Skimbo, Best naNoma vaivewo mukabhawa kanonzi Lig ako kaiwanikwa paMabelreign Shops chaipo. Ndiwo wakange uri muitiro wechikwata ichi icho chaizvidana nezita rekuti 'A Team'. Vaiti kana voenda kunoba motokari, kwavaidaidza kuti operation, vairova mbiri. Vaipatsanurana kuti rimwe boka kudivi uku, rimwe uku. Chikwata chaana Mobhi chaishevedzwa kuti MKD, zvichimirira kuti Mobhi, Kodza, Dhadza. Chepiri chaizivikanwa nezita rekuti NBS, Noma, Best naSkimbo. Zvaibva zvaita kunge zita rebhanga reNational Building Society.
Noma akange atorwa nerimwe zirume mubhawa makare ndokubva vangopinda vose mumotokari pamwe nekuenda kumba kwake. Skimbo naBest vakateverawo vari mumotokari yavo yerudzi rweBMW. Kuburikidza naNoma uyo aitaura naBest kuburikidza newhatsapp, vakange votoziva mamiriro kwavaienda vasati vatombosvikako. Kana iye ainge azvibatira husavi hwake hwechirariro, akange azvisasika kuburikidza nenhaurirano yaainge akwezverwa mairi.
"I hope kumba kwako hakuna munhu shamwari nekuti ini zvekunetsana nemukadzi wako no." Noma akange adaro nerurimi rwainzwika kuti aive muNdebele.
Murume uya akaseka zvake zvichiratidza kuti hwakange hwotanga kutonga mumusoro. Pashure akati, "Judith. Judy haako uyo. Ndakamuendesa kumasungiro. Unogona kutombogara zvako neni kana kweweek rese..."
"Hahada! Ndisiye zvangu ini. Unokwanisa kundibhadhara iwe?"
“Unomboziva kuti ndine gold mine here iwe? Just name your price."
"What's your offer? Ndione kuti value yaunondipa yakaita sei."
"Ini ndirikuda kuzivawo value yaunozvipa. Kana ukati ndisvike ndichikupa ndinotokupa. Asi why would a very beautiful lady like you do this kind of a job?"
“Chimbomira kundipindira mumunda mangu. Ngatipedzei deal redu iri. Ndinenge ndichida cash."
"That's not a problem, cash ndiyo yandinotogara nayo nekuti mazuvano kuisa mari kubank zvakafanana nekusungirira mari pagumbo reshumba. Unomuka yave 1 as to 1 nezig." Pakarepo akabva aridza tsamwa chiratidzo chekuti mari yake yakambosangana nazvo.
"Yuwi. Hautye kupindirwa nematsotsi?"
“Matsotsi? I have security cameras everywhere. Plus mira uone..." akabva atora kapfuti kake pasi pesiti raainge agere. Akaenderera mberi, "Plus this."
Nomalanga semunhu akange ajaira kubata pfuti pamwe nekutoishandisa kunyanya mazuva aakambogara Joni, akangonyeberawo kuvhunduka pamwe nekuratidza kutya.
Vakazosvika kumba otoziva kuti kwaigara garden boy, musikana webasa akange akaenda nemudzimai wake kwavatezvara vake, imba yake yaive nemipanda mingani uye akange aine motokari ngani. Chisina kutaurwa hwaive huwandu hwemari yaive mumba uye kuti inogara pai. Noma akange asina kuda kuzvibvunza, zvaizoita kuti murume uyu anyumwe. Akasvikawo kumba oziva zita remurume uyu, Amos.
Avawo Skimbo naBest vaingovewo shure kwemotokari iyi vachinge vari nechekure. Noma ainyanya kutaudza Amos kuti asacherechedze kuti kune motokari yaivatevera. Vakatsauka mumugwagwa Warbury Avenue ndokupinda muna12th Avenue. Vakasvika pamba pairatidza kuti zvedi murume uyu akange aine mari dzake. Nguva dzakange dzodokwairira kusvika pana12 wepakati pehusiku. Gedhi rake akange avhura nerumoti sezvo aiti akange asingachadi kumutsa garden boy wake.
"Ini kutaura chokwadi ndine nzara. I think kuti ndiwane simba ndirikuda kutanga ndadya something plus freshening up. Kuneiko kukicheni kwako?" Akadaro Noma.
"Ende uri active wena. Ini ndafunga kuti ndichagocha nekubva ndarova kasadza asi ndabva ndazosangana nefull package." Akapedza kutaura achirova Noma magadziko pamwe nekumapuruzira.
Noma wacho akabva amonera maoko ake ose mumutsipa waAmos ndokumutsvoda padama. "Let me prepare something quickly iwe uchimbogeza nhaika?"
Kutaura kwavo ndiko kwakaitika. Amos akabvisa tirauzi rake ndokusara nekakabudura ogadzirira kupinda muimba yekugezera iyo yainge yakabatanidzwa nebhedhuru rake hombe. Noma haana kure kwaainge aenda, ainge angobuda mubhedhuru nekunomira pedyo nemusuwo. Zvaakanzwa mvura yozarurwa akabva adzokamo ndokusvikonyamura tarauzi riya.
"Zvauriwe unonoke imomo. I just want to ask kuti ndongoisa kasadza neroasted beef here or uri kuda nebeef stew?